Joshua 11

Madzimambo oKumusoro anokundwa

1Zvino Jabhini mambo weHazori akati anzwa pamusoro paizvozvi, akatumira shoko kuna Jobhabhi mambo weMadhoni, nokuna madzimambo eShimuroni neAkishafi, 2uye nokumadzimambo okumusoro aigara mumakomo, muArabha zasi kweKinereti, kumadokero kwamajinga ezvikomo uye nokuzvikomo zveNafoti Dhori kumadokero; 3NokuvaKenani kumabudazuva nokumadokero, nokuvaAmori, vaHiti, vaPerizi navaJebhusi munyika yamakomo; uye nokuvaHivhi muzasi meHemoni mudunhu reMizipa. 4Vakauya nehondo dzavo dzose namabhiza nengoro zhinji zhinji, navanhu vazhinji kwazvo, vakanga vakawanda sejecha rapamahombekombe egungwa. 5Madzimambo ose aya akaungana vakavaka musasa pamwe chete paMvura yeMeromi, kuti vazorwa navaIsraeri.

6Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya nokuti mangwana nguva ino ndichavaisa vose vakatofa mumaoko avaIsraeri. Munofanira kutema marunda amakumbo amabhiza avo nokupisa ngoro dzavo.”

7Naizvozvo Joshua nehondo yake vakavavinga pakarepo paMvura yeMeromi vakavarwisa, 8uye Jehovha akavaisa mumaoko avaIsraeri. Vakavakunda vakavadzinganisa kusvikira kuGuta reSidhoni, nokuMisirefoti Maimi, nokuMupata weMizipa kumabvazuva, kusvikira pasisina mupenyu akasara. 9Joshua akaita kwavari zvakanga zvarayirwa naJehovha: Akatema marunda amabhiza akapisa ngoro dzavo.

10Panguva iyoyo, Joshua akadzokera akatora Hazori ndokuuraya mambo waro. (Hazori waiva muzinda woumambo hwose uhu.) 11Vakauraya nomunondo munhu wose aivamo. Vakavaparadza zvachose, vakasasiya chipi nechipi chaifema, uye akapisa Hazori pacharo nomoto.

12Joshua akakunda maguta oumambo ose aya namadzimambo awo ndokuvauraya nomunondo. Akavaparadza zvachose, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. 13Asi vaIsraeri havana kupisa kana rimwe ramaguta akanga akavakwa pazvikomo zvavo, kusara kweHazori chete, rakapiswa naJoshua. 14VaIsraeri vakatakura zvose zvavakapamba nezvipfuwo zvamaguta iwaya, asi vakaparadza zvachose vanhu vose, vakasasiya kana mumwe aifema. 15Sezvakanga zvarayirwa Mozisi muranda wake naJehovha, saizvozvo Mozisi akarayira Joshua, uye Joshua akazviita; hapana chaakasiya chisina kuitwa pane zvose zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

16Naizvozvo Joshua akatora nyika yose iyi nyika yamakomo, neNegevhi, dunhu rose reGosheni, majinga ezvikomo zvokumavirira, neArabha namakomo eIsraeri namajinga awo, 17kubvira kuGomo reHaraki, rinokwidza rakananga kuSeiri, kuBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni, zasi kweGomo reHemoni. Akabata madzimambo avo ose akavaparadza, akavauraya. 18Joshua akarwa namadzimambo ose aya kwenguva refu. 19Hakuna guta kana rimwe rakaita sungano yorugare navaIsraeri kunze kwavaHivhi vaigara muGibheoni, vavakatora vose pakurwa. 20Nokuti Jehovha ndiye akaomesa mwoyo yavo kuti varwe navaIsraeri, kuti vavaparadze zvachose, vavaparadze pasina kunzwira tsitsi, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

21Panguva iyoyo Joshua akaenda akandoparadza vaAnaki munyika yamakomo: kubva kuHebhuroni, nokuDhebhiri nokuAnabhi, nokubva munyika yose yamakomo yeJudha, uye nokubva munyika yose yamakomo yavaIsraeri. Joshua akavaparadza zvachose namaguta avo. 22Hakuna vaAnaki vakasara munyika yeIsraeri: kusara kwomuGaza, nomuGati nomuAshidhodhi makasara vamwe. 23Naizvozvo Joshua akatora nyika yose, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, uye akaipa kuvaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo.

Ipapo nyika yakazorora pakurwa.

Copyright information for SnaBDSC